Psalms 41

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba;
Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.
2Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake;
achamuropafadza panyika
uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.
3Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere
uye achamuponesa panhoo yake yourwere.

4Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni;
ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”
5Vavengi vangu vachindigodora vanoti,
“Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”
6Kana mumwe achiuya kuzondiona,
anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa;
ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.

7Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu;
vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,
8“Chirwere chakaipa chakamubata,
haachambomukizve panzvimbo paakarara.”
9Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo,
yandaigovana zvokudya nayo,
yandisimudzira chitsitsinho chayo.

10Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni,
ndisimudzei, kuti ndivatsive.
11Ndinoziva kuti munofadzwa neni,
nokuti muvengi wangu haandikundi.
12Munonditsigira pakutendeka kwangu,
uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.


13Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri,
kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi.
Ameni naAmeni.
Copyright information for SnaBDSC